QUR’AAN  NECHISHONA

QUR’AAN NECHISHONA

globe icon All Languages

Description

CHITSAUKO AL-FAATIHAH (CHIVHURO) 1 - 1. Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni. 2. Kurumbidzwa nekutendwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi venyika dzese (zvisikwa zvese: vanhu, maJinn nezvese zviripo). 3. Vane Tsitsi zhinji, neNgoni zhinji. 4. Muridzi (Mutongi) wezuva rekutongwa (zuva rekumutswa kwevakafa). 5. Imi moga ndimi vatinonamata, uye imi mega ndimi vatinokumbira rubatsiro (rwazvose). 6. Titungamirirei munzira yakatwasuka. 7. Nzira yeavo vamakapa makomborero (vatumwa, maporofita, nevaiti vezvakanaka), kwete nzira yeavo vamakatsamwira, kana yeavo vakarasika.